ZHRC inopa mapurisa eGutu mhosho yekumbunyikidza kodzero dzevanhu
Share
MASVINGO – Gwaro rakabudiswa ne Zimbabwe Human Rights Commission (ZHRC) iro rinova boka guru renyika rinomirira kodzero dzevanhu rinoti mapurisa makuru matatu anowanikwa paMpandawana, Bikita nekuMasvingo ndiwo mamwe ari kusaka mhirizhonga yezvematongerwe enyika irambe ichitsviriridza mudunhu remaGutu nenyaya yorusaruro rwavanoita pakusunga vanhu vemapato.
Gwaro iri rinoti mapurisa aya ane tsika yekutarisa divi kana vanhu veZanu PF vachipara mhosva.
Gwaro iri rakanyorwa panguva yesarudzo huru dzaAugust 2023 rikazopiwa kuMirror vhiki rapera rinodoma Officer-in-Charge wepaGutu, Inspector Cames Myambo, Officer Commanding Bikita West District Taurai Mambure na James Nyoni wekuLaw and Order Masvingo sevamwe vakuru vangangova vari kumbunyikidza zvikuru kodzero dzevemapato ari kupikisa kunyanya veCCC.
Sachigaro weZHRC, Muzvare Jessie Majome vakabvuma kubepa nhau reMirror kuti boka ravo rakaita gwaro rakadaro.
Vakati ivo gwaro iri rakatoindiswa kumukuru wemapurisa, Commissioner General Matanga kuti zvionekwe kuti madockets evanhu vaishungurudza nokurova vanhu avhurwa. Vakati ZHRC icharamba ichiteverera mapurisa kuona kuti madockets aya avhurwa here.
Inspector Myambo vanowanikwa zita ravo richidomwa nevanhu vese vakamhang’ara nyaya dzavo kuZHRC semunhu ashungurudza zvikuru nokutyora kodzero dzevanhu maGutu.
Gwaro iri rinoti kusaferefeta nyaya nokusasunga vapari vemhosva kuri kuitwa nemapurisa vari kupara mhosva huru dzinonangana nebumbiro guru remitemo yeZimbabwe (Constitution of Zimbabwe), mitemo mikuru yenyika dzeAfrica nepasi pese yakafanana neUniversal Declaration of Human Rights, African Charter on Human and People’s Rights, Maputo Protocol neInternational Covenant on Civil and Political Rights.
Gwaro iri rinoti zvakare munhu umwe neumwe anenge amhan’gara mhosva kumapurisa ane kodzero yokuudzwa nemapurisa mafambire anenge achiita nyaya yake. ZHRC yakaona kuti mapurisa ekwaGutu haasi kuudza vanhu mafambire anenge achiita nyaya dzavanenge vamhan’gara ikati uku kutyora kodzore dzevanhu kwakaipisisa.
Assistant Commissioner Paul Nyathi vakati ivo vanga vasati vaona gwaro iri huye vachazopa pfungwa dzemapurisa mushure mekunge variona.
Mutauriri weNational Peace and Reconciliation Commission (NPRC) vaObert Gutu vakati ivo mazuva ano NPRC yakambomira kushanda nenyaya yekuti makore ayakapiwa nebumbiro remutemo ekuti ishande akapera.
Gwaro iri rinoti kodzero dziri kumbunyikidzwa nemapurisa dzinosanganisira dzekuti munhu akwanise kuzvisarudzira bato raanoda (deprivation of political rights), kodzero yokuti vanhu vasazvidzwa vachirohwa nokudzikisirwa chimiro (right not to be subjected to cruel, inhuman or degrading treatment), kodzero dzokuti zvinhu zvavo zvisambunyikidzwa (property rights) nekodzero dzokukwanisa kumhang’ara nekupiwa zheve nemapazi ehurumende kusanganisira mapurisa (administrative justice)
ZHRC inoti iyo yakaferefeta nyaya dzembunyikidzo dzekodzero idzi mushure mekunge vanhu vanodarika gumi veCCC maGutu vamhan’gara kushungurudzwa kwavo nevanhu veZanu PF huye nemapurisa. ZHRC yakatumira vana mazvikokota kunoferefeta nyaya idzi. Vanhu ava vanoti vairohwa, vachitorerwa zvinhu zvavo nekutandaniswa padzimba dzavo.
Vanoti vainosumira nyaya dzavo kunaMyambo asi Myambo airamba kunyora nokuferefeta nyaya dzavo. Vanoti ivo chaivashamisa ndechekuti ivo vamhang’ari ndivo vaizopedzisira vasungwa nekuendeswa kumatare edzimhosva.
Mukuferefeta kweZHRC, inoratidzavo kushamisika kuti pamhirizhonga yese yakaitika hapana kana mubodzi hake we Zanu PF akasungwa asi veCCC ndivo vaisungwa nemapurisa vachiendeswa kumatare edzimhosva.
ZHRC inotaura zvekare mugwaro iroro kuti Myambo akaramba kutaura nevaferefeti vebazi guru renyika iri achiti nyaya dzese ngavataure nemukuru wake Mambure nokuti ndiye muridzi wenyaya.
Mugwaro iroro munonzi Myambo akambosvika nepairohwa vana vekwaMakumbe veCCC akangopfuura nemota yake zvake akatarisa divi. Zvinonzi vana vekwamakumbe ivava vairohwa vachishambiriswa mumadhaka.
Myambo, Nyoni naMambure vese vari vatatu vakaramba mhosva dzavari kupomedzerwa apo vakataura nevaferefeti veZHRC.
Commission yakatsinhira kuti nekunetsa kuri kuita mhirizhonga maGutu veNational Peace and Reconciliation Commission (NPRC) vanofanirwa kuenda ikoko kunoyananisa vanhu vezvematongerwe enyika.
Vanhu vakanyanya kupomerwa nyaya dzechigandanga chokushungurudza vanhu maGutu vakomana vemhuri yekwa Sarukore vanobva kuGutu South asi vachigara muGrowth Point maMpandawana. Vakomana ava vanonzi ndivo vanotungamira Zanu PF mumhirizhonga yese iri kuitika maGutu.
Vanhu vanopomerwa kukonzera mhirizhonga:
- Josephat Sarukore
- Tawanda Sarukore
- Samson Sarukore
- Sylvester Mashamba
- Admire Chimuka
- Jose Mudziwepasi
- Jonathan Mugutso
- Christopher Musarurwa
- Brian Munyoro
ZHRC yakakurudzira kuti mhosva dzese dzakamhang’arwa dziferefetwe nemapurisa zvisina kurereka kumapato. Gwaro iri rakatizve mapurisa ngavakurudzire kuyanana kwemapato kwete kupesanisa.
Vamhan’ari vose vakaudza ZHRC kuti ikozvino havasisina shungu nekumhan’gara nyaya kumapurisa nokuti havasisina kana donhwe reruvimbo nemapurisa.
Nyaya dzakaongororwa neZHRC dzakanyanya kuitika muGutu Central mumaWard anoti 27, 33 ne37.
Vamhan’ari vakati Mambure akadana musangano wemapato ezvematongero enyika asi nhengo dzeCCC hadzina kubvumidzwa kutaura pamusangano uyu.
Nyoni anopomedzerwa mhosva yekusaferefeta nyaya asi iyevo Nyoni anoti haisi mhosva yake nekuti Myambo anga asingasvitsi nyaya idzi ku Law and Order.
“Nyaya zhinji dzamunonditaurira handidzizivi nokuti hadzina kumbounzwavo kuHofisi kwangu,” akadaro Nyoni achiudza vaferefeti veZHRC.
Vanhu veCCC vakashungurudzwa
•Tafunga Mangombe
•Tom Makumbe nevanin’ina vake vatatu,
•Manners Mangwiro
•Jevas Makumbe
•Langton Guvava Mabande
•Russel Mudoro
•Claudius Muvindisi
•Desire Tichazorwa
•Bernard Chimwango
•Tatenda Murunye.