Gara.
by Farai Batsirai Manguvo
Wangu moyo wakazvipira.
Ukada kuishandira nyika.
Ukada kuidikitirira nyika.
Ndaida kushandawo.
Imiwe! Zvakakona.
Paipinda vane zvikwama.
Vakadzi vachipinyoreswa
Atsika madziro zvofa.
Pfacha dutumupengo Idai.
Kandei tumadhora.
Moyo uchiungudza.
Iye ndini.
Mangwana mari yabiwa.
Pfacha coronavirus.
Kumberereka gurwei.
Tsamba pamberi.
Ndipeiwo tsamba mai varwara,
‘Ndipewo mari ndikupe tsamba.’
‘Kana usingadi gara.’
Changove chikwama.
Asina ndewekungogara.
Ndiko kurongeka?
Chiokomuhomwe chobaya.
Vamwe vanochida.
Vazhinji havachide.
Kunyanya varombo.
Na Farai Manguvo